Psalms 91

1Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro
achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
2Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,
Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi
napadenda rinouraya.
4Achakufukidza neminhenga yake,
uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake;
kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
5Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku,
kana museve unopfurwa masikati,
6kana hosha inofamba murima,
kana denda rinoparadza masikati.
7Chiuru chingawa parutivi rwako,
zviuru gumi kurudyi pako,
asi hazvingaswederi kwauri.
8Uchangozviona nameso ako chete,
uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

9Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako,
kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,
10ipapo hapana chakaipa chichakuwira,
hakuna njodzi ichasvika patende rako.
11Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako,
kuti vakuchengete panzira dzako dzose;
12vachakusimudza mumaoko avo,
kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.
13Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva;
uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

14“Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura;
ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.
15Achadana kwandiri, uye ndichamupindura;
ndichava naye pakutambudzika,
ndichamurwira uye ndichamukudza.
16Ndichamugutsa noupenyu hurefu,
uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”
Copyright information for SnaBDSC